Kana tikadzokera kuna Mwari kubudikidza nePasika yeSungano Itsva, tinogamuchira kuregererwa kwezvivi neupenyu husingaperi. Zvisinei, kana ani naani akarega kugara musungano yaMwari, Mwari anovasiya; pakupedzisira, vanotarisana nemagumo anosiririsa sezvo mweya yakaipa ichipinda mavari sekupinda kwayakaita muna Mambo Sauro naJudhasi Iskarioti.
Apo Mambo Hezekia akatuma nhumwe kuti dziparidze kuti, “Chengetai Pasika mudzokere kuna Mwari,” vanhu vaiva kuIsraeri yaiva kuChamhembe vakavashora uye vakavaseka. Pakupedzisira, vanhu ava vakaparadzwa. Vanhu vamazuva ano vanopindura nenzira imwe chete iyi, vachatarisana nemagumo akafanana neevanhu veIsraeri yaiva kuChamhembe.
Kunyange zvazvo kune kereke zhinji pasi rose, kereke inochengeta Pasika, inova chipikirwa chaMwari, ndiyo yoga inokwanisa kunzi yakadzokera kuna Mwari uye yakaropafadzwa sekereke ina Mwari pakati pavo.
“Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika . . . dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri.” 2 Makoronike 30:1–6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy