Uyo, anopa mvura yeupenyu munguva yose yaBaba, yeMwanakomana neyoMweya Mutsvene, ndiMwari chete.
Zvisinei, vamwe vanoti vatsvene vanogona kupa mvura youpenyu. Hazvina maturo kuti vatsvene, avo vanongotambidza mvura yaMwari yeupenyu, vobva voti ndivo vanopa mvura yeupenyu.
Zvakangofanana nomutumwa anoendesa tsamba anotaura achiti, “Ndini ndinotumira.” Hazvina musoro kuita sokunge tiri kupa chimwe chinhu asi pachokwai ari mumwe munhu anenge achipa. Kana tichiti isu tisu tinopa chinhu chinobva kuna Mwari, zvinounza kutukwa patiri.
Sevanhu vaMwari, tinofanira kuziva kuti Mwari anouya nechimiro cherudzii kuzotipa mvura yeupenyu munguva ino, chikonzero Bhaibheri richitsanangura Mwari seMweya Mutsvene neMwenga, uye kuti vanopa sei mvura yeupenyu.
Kereke yaMwari inotenda munaMweya Mutsvene Ahnsahnghong naMwari Mai vanova Mwenga. Tinovimba kuti muchawana upenyu husingaperi kuburikidza nemvura yeupenyu iyo Mwari Baba naMwari Mai vanopa.
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy