Mafaro eChivi neMafaro eDenga
Patinotevera Hupenyu hwaKristu, Nguva Dzose Panogara Paine Kutambura Pamwe Chete Nekurema KweMuchinjikwa
Sezvazvakanyorwa kuti, “munhu wose anoda kurarama upenyu hwoumwari muna Kristu Jesu achatambudzwa,” uye sezvakataurwa naJesu kuti, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira . . . atore muchinjikwa wake . . . agonditevera,” kutambudzika kwenguva duku kunotevera upenyu hwevose vanoraramira kubwinya kwoumambo hwokudenga.
Chii Chinonzi Vhangeri raKristu Ahnsahnghong naMwari Mai Rinoparidzwa Neavo Vanosarudza Mufaro wedenga neweUmambo Hwekudenga muna Kristu?
Esau naJudhasi Isikarioti vakararama maererano nenyama, vachitevera mafaro echivi, uye pakupedzisira vakarasikirwa nemaropafadzo edenga neeumambo hwekudenga. Zvisinei, Mozisi, Jakobo, Dhanieri, neshamwari dzake nhatu vakakunda matambudziko nekukoshesa mafaro edenga zvakanyanya. Saizvozvowo, nhengo dzeKereke YaMwari dzinoisa tariro yadzo mumafaro ekudenga akavimbiswa naMwari, dzichizvipira kuparidza maropafadzo eZuva reSabata resungano itsva nePasika, sezvaakarayira.
Nokutenda Mozisi akati akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFaro.
Akasarudza kutambudzwa pamwe chete navanhu vaMwari pano kufadzwa kwenguva duku namafaro ezvivi.
Akati kuzvidzwa nokuda kwaKristu ipfuma huru kupfuura kupfuma kwose kweIjipiti, nokuti akanga achitarira mberi kumubayiro.
VaHebheru 11:24–26
No. of views86
#Faith
#Thankful