N
Kereke yaMwari Yakavambwa Panheyo yeVaapostora
Kereke yaMwari Yakavambwa naJesu Ndiyo Chete Kereke Ine Chokwadi cheRuponeso
Kereke iyo Jesu akapa ruponeso paakauya pasi pano makore 2 000 apfuura akavamba sungano itsva yePasika, uye Kereke yaipindwa nevatsvene veKereke yeKutanga vakaita saVaapostora Pauro, Petro, naJohane yaive Kereke yaMwari. Zvisinei, musennjuri rechina, mirayiro yaMwari yakabviswa, uye tsika dzechihedheni dzakapinda muKereke. Chiedza cheruponeso chakanyangarika uye Nguva yeRima yakatanga.
Kereke yaMwari Yakavambwa naKristu Ahnsahnghong, Akauya Kechipiri Kuzoponesa Rudzi Rwavanhu.
Maererano nechiprofita cheBhaibheri, Kristu Ahnsahnghong akatanga Kereke yaMwari muKoria muna 1964 uye akatungamirira Kereke nechokwadi chesungano itsva yePasika maererano neBhaibheri uye nenheyo yevaprofita. Akapupura kuvana vake nezvaMwari Mai, avo vakauya panyika pano kuzoponesa vanhu, achiti, “Petro akatevera Jesu, ini ndinotevera Mai.”
[K]ukereke yaMwari iri muKorinte, kuna vaya vakaitwa vatsvene muna Kristu Jesu uye vakadanwa . . .
1 VaKorinte 1:2
[M]akavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona.
VaEfeso 2:20
No. of views30
#God Elohim
#New Covenant
#Salvation