Kuti vanhu vaponeswe, Mwari akatipa Bhaibheri uye akavamba murairo wesungano itsva. Sezvo Soromoni akakwanisa kuziva kuti mai vechokwadi vomwana vakanga vari ani kupfurikidza nerudo rwamai, munguva ino, Mwari anoziva avo vanochengeta sungano itsva, iyo Mwari akarayira, savana vake vakasarudzwa, uye anovapa maropafadzo oruponeso.
Nhasi, Kereke yaMwari inotevera kutungamira kwaKristu Ahnsahnghong uye Mai Vekudenga Jerusarema Idzva. Vakadzoreredza sungano itsva yakanga yarasika, yakaita seSabata nePasika, vakatipa dzidziso dzose dzinodikanwa paruponeso rwemweya yedu, inova vavariro yokutenda kwedu. Ichi ndicho chikonzero Kereke yaMwari chete ine vimbiso yeruponeso.
Zvanzi naJehovha: “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaJudha, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti vakaramba murayiro waJehovha uye havana kuchengeta mitemo yake, nokuti vakatsauswa mukurasika navamwari venhema, vamwari vakateverwa namadzitateguru avo, Amosi 2:4
Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. 1 Petro 1:8–9
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy