Tikatarisisa zvishamiso zvakaitika Munguva yaBaba neMunguva yaMwanakomana zvakaita sekupatsanura Gungwa Dzvuku kwakaita naMwari, akaita kuti guta reJeriko riwe, uye akamisa zuva, tinokwanisa kunzwisisa kuti zvinhu zvose zvakaitwa maererano neshoko raMwari.
Mwari Ahnsahnghong naMwari Mai vakauya panyika pano saMweya noMwenga Munguva yaMweya Mutsvene. Pose patinoteerera shoko raMwari, tichitenda kuti basa revhangeri rinozadziswa naMwari, basa rinoshamisa revhangeri rinoitwa kunyange panguva ino.
(Nyaya yakanaka yeZioni: Basa revhangeri rakaitwa mumwedzi mina mushure memutambo wekuparidza wePendekosti)
Pazuva iro Jehovha akapa vaAmori kuvaIsraeri, Joshua akati kuna Jehovha . . . : “Iwe zuva, mira pamusoro peGibheoni, Iwe mwedzi, pamusoro pemupata weAijaroni.” Naizvozvo zuva rakamira, nomwedziwo ukamira, kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo, . . .
[Joshua 10:12–13]
Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka pakava nenyika yakaoma. Mvura yakakamurana.
[Ekisodho 14:21]
Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.” . . . “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.” Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka.
[Ruka 5:4–6]
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy