Kufanana nerwodzi rwekuyeresa rwunoiswa kuti paonekwe kuti madziro ari kuvakwa akarurama here kana kwete, Mwari anopa vana vake miedzo kuti aone kana vari kuvaka imba yekutenda kwavo saizvo Mwari akaita kuna Jobho, Shadhireki, Misheki naAbhedhinego. Zvisinei, maropafadzo ake anotevera pakuguma kwazvo.
Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vadzidzisa vatendi vari kuvaka dzimba dzekutenda kwavo nhasi kuti apo Mwari anoyedza pasi rose, achanzvera mashoko, zviito, nemwoyo wemumwe nomumwe uye vounza njodzi pamusoro pevasina kutenda vanogunun’una nokunyunyuta. Vakadzidzisawo vatendi kuti nguva dzose vafunge nezvedenga, uye Mwari chete zvisinei nekuti chimiro chakaitasei.
Izvi ndizvo zvaakandiratidza: Jehovha akanga akamira pamadziro akanga akavakwa zvakaenzaniswa nerwodzi, ane rwodzi rwokuyeresa muruoko rwake. . . . Ipapo Jehovha akati, “Tarira, ndichaisa rwodzi rwokuyeresa pakati pavanhu vangu vaIsraeri, handichavaponesazve.”
Amosi 7:7–8
“Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake.”
Zvakazarurwa 2:23
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy