Miedzo yakasvika pamusoro peVaIsraeri nguva dzose murwendo rwavo rwemurenje rwemakore 40 makore 3,500 apfuura. Saizvozvo, munguva ino, miedzo inosvika pamusoro pedu kubudikidza nezvirwere zvakaita seCOVID-19 iyo pasi rose riri kutambudzika nayo, uye kubudikidza nekuomerwa kuzhinji kwatinosangana nako parwendo rwedu rwekutenda.
Jesu akatiitira muenzaniso wekuti tinokunda sei miedzo yaSatani. Kune avo vanokunda miedzo yose pasina kuzungunuka mune chero chimiro chipi zvacho sezvakaita Jesu, Mwari anovazarurira zita idzva raJesu naJerusarema Mai Vekudenga avo vakaburuka kubva kudenga.
“Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika. Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako.”
Zvakazarurwa 3:10–11
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy