Akatarisa kumvura, Mwari akasika hove uye akadzitendera kuti dzifeme dziri pasi pemvura chete. Sezvo Mwari akasika miti kuti iite midzi muvhu, Mwari akaita kuti iwande chete kana ichinge yakadzika midzi panyika. Mwari Baba naMwari Mai vakasika munhu nekutarisana uye vakavatendera kuti vagamuchire maropafadzo emufaro neupenyu husingaperi muna Mwari.
Apo Samusoni naSauro vakatsauka kubva kuna Mwari, vakatarisana nemagumo anosiririsa uye anorwadza, asi pavairarama upenyu hwekuteerera Mwari, vaibudirira mune zvese. Munguva ino, zvakare, vatendi veKereke yaMwari vanokwanisa kurarama upenyu hwekukunda mune zvese nekuti vanogara muna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai, avo vakauya saMweya noMwenga.
Ipapo Mwari akati, “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, . . .” Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika mumufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.
Genesisi 1:26–27
“Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.”
Johani 15:5
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy