Mwari akadzidzisa vaIsraeri murenje kuchengeta mirayiro yake yakaita sezuva reSabata kuitira kuti vazokwanisa kuchengeta mutemo waMwari muKenani.
Saizvozvo, Mwari anotendera avo vane tariro yeumambo hwekudenga kuti vadzidze mutauro wekudenga, unova mutauro werudo, kutenda, tariro, neruponeso, muupenyu hwavo hwezuva nezuva vasati vapinda muumambo hwekudenga.
Avo vaitaura mutauro wekudenga vakagamuchira maropafadzo aMwari.
Joshua naKarebhu vakapinda muKenani, uye shamwari nhatu dzaDhanieri dzakadzivirirwa muvira romoto unopfuta zvikuru.
Saizvozvo, avo vanotaura mutauro wekudenga maererano nedzidziso dzaKristu Ahnsahnghong naMwari Mai vanokwanisa kupinda muumambo hwekudenga husingaperi.
Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose. . . . Rurimi motowo, inyika yezvakaipa pakati pemitezo yomuviri. Runoodza muviri wose, runotungidza nzira yose youpenyu hwomunhu nomoto, uye irwo pacharwo runotungidzwa neGehena.
Jakobho 3:2–6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy