Maererano neuprofita hwaIsaya 60, nyika yanhasi
iri murima. Naizvozvo, tinosangana nezvizhinji
zvakaoma uye nematambudziko muupenyu hwedu.
Kunyange nharaunda ine rima uye isina kutinakira, vatendi veKereke yaMwari vanoshingaira kuva chiedza chenyika kubudikidza nemabasa akanaka uye kugovera rudo rwaMwari kunyika ino isina rudo mukuteerera mashoko aMwari Mai, anoti, “Ivai mwenje unovhenekera rima.”
“Imi muri chiedza chenyika. . . . chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.”
[ Mateo 5:14-16 ]
Nyika yefungidziro inorotwa nemunhu wese ndihwo umambo hwekudenga.
Vana vechiedza vanofanira kuzadzisa basa ravo rokuvhenekera rima nekuparidza nhau dzakanaka pamusoro peumambo hwekudenga, nyika yatinoshuvira, kuvanhu vose vakapfigirwa murima.
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy