Kana uri muKristu, unofanira kushanda nesimba kuti urarame panyika pano, asi pamusoro pazvose, unofanira kuraramira kubwinya kwokusingaperi pane kuraramira mufaro wenguva pfupi apo tinenge tichidzidza zuva nezuva pamusoro peupenyu husingaperi hwekudenga kubudikidza nemashoko aMwari.
Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vanopa vanhu maropafadzo eSungano Itsva, anova, Denga uko tichanakidzwa noupenyu husingaperi nokubwinya, kwete kubwinya kwenguva pfupi uye kunotsakatika. Nokudaro, kufanana naApostora Pauro, vatendi veKereke yaMwari vanova vashumiri veSungano Isva uye vorarama upenyu hwemuKristu hwechokwadi, uhwo Mwari anofadzwa nahwo.
Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu?
. . . Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.
Mapisarema 90:11–12
Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya;
nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu.
2 VaKorinde 3:6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy