Esau naJudhasi Iskarioti vakarasikirwa nemaropafadzo nokuda kwemashoko asina hanya avakataura,uye gororo raiva kurudyi neshamwari nhatu dzaDhanieri vakagamuchira maropafadzo anofashukira kubva kuna Mwari nokuda kwamashoko avakataura nokutenda.
Sezvo mashoko akabuda mumiromo yedu asingatongonyangariki asi achidzoka kwatiri paZuva Rokutongwa, Mwari anogara achitidzidzisa kuti tifunge kakawanda tisati tataura uye kuti tinonoke kutsamwa.
Kana tikaziva kuti takadzingwa kubva kudenga nokuti takatadza, hatizoori mwoyo pachinhu chipi zvacho. Asi, tinogona kurarama upenyu hwakaropafadzwa mukuvonga nekutaura zvinhu zvakanaka tichitevera dzidziso dzaMwari nekuda kwekuti tinogona kuva naKristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakauya munguva yaMweya Mutsvene.
Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari. . . . Musangova vanzwi veshoko chete, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva. . . . acharopafadzwa pane zvaanoita.
Jakobho 1:19–25
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy