Sekurasikirwa kwakaita Adhamu naEvha nekubwinya kwebindu reEdheni nekuda kwechivi chekudya kubva pamuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa, vanhu vakarasikirwa nekubwinya kwese nekuda kwezvivi zvavo kudenga uye vakakandwa panyika pano. Vanhu vakaparadzaniswa naMwari nokuda kwezvivi zvavo, asi Mwari akavatendera kuti vamunamate kuburikidza nemitambo minomwe katatu, kusanganisira zuva reSabata nePasika, senzira yokuti varegererwe zvivi zvavo.
Tinogona kuzviona muBhaibheri kuti chibayiro chaAbheri, icho chakafadza Mwari, chakafanoratidzira kuti Kristu aizokanganwira zvivi zvavanhu kuburikidza nokudeura ropa rake pamuchinjikwa. Kuburikidza nechibayiro cheropa, kureva kuti, munamato, vanhu vanogona kuswedera pedyo naMwari uye vova vemhuri yaMwari sevanakomana nevanasikana vaKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, Vaponesi munguva yeMweya Mutsvene.
Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu… Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari, VaEfeso 2:13, 19
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy