Vanhu vazhinji vanotenda kuti nokungoenda kukereke, vanova vanhu vaMwari vechokwadi. Zvisinei,
nemurayiro waMwari woupenyu, iye anotsaura vanhu vechokwadi kune venhema.
Vanhu vaMwari vechokwadi, vane ugari hwekudenga, vanofanira kuchengeta zuva reSabata, iro rinocherechedza simba roMusiki, uye Pasika, iyo inocherechedza simba roMudzikinuri.
Kufanana naSoromoni, mambo wouchenjeri, akashandisa nyuchi nemashavishavi kusiyanisa ruva mhenyu neruva rakagadzirwa, Mwari anotsaura vanhu vake vechokwadi kubudikidza nemirayiro yake yakaita sezuva reSabata nePasika.
Nhasi, vatendi vasingaverengeki vari pasi rose vanochengeta mirayiro yaMwari-chiratidzo chevanhu vaMwari-yakadzoreredzwa kubudikidza nedzidziso dzaKristu Ahnsahnghong naMwari Mai.
Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu. Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika. Asi nyika yedu iri kudenga. . . .
VaFiripi 3:18–20
“ ‘Cherechedzai Sabata, nokuti idzvene kwamuri. Munhu upi zvake anorizvidza anofanira kuurayiwa; ani naani anobata basa ripi zvaro pazuva iroro anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake.
Ekisodho 31:14
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy