Kuitira kugamuchira kuregererwa kwezvivi, umwe munhu anofanira kutakura zvivi. Mwari akagara atiratidza izvi semumvuri zvisati zvaitika kubudikidza nemhuka dzaibairwa zuva reSabata, chipiriso chinopiswa nguva dzose, Pasika nemimwe mitambo yose muTestamende Yakare, uyewo nemutemo weTestamende Yakare wokuti paZuva Rokuyananisira, zvivi zvose zvaiiswa pambudzi yokutakudzwa iyo yaiendeswa kurenje uye yofa.
Vatendi veKereke yaMwari vanoziva kuti Mwari akatsungirira kutambudzika kwese kwepamuchinjikwa, kusekwa, nekuzvidzwa nezvisikwa zvake nekuti rwakanga ruri rudo rukuru rwaMwari rwekuda kuponesa vanhu vose nekuripira zvivi zvavo.
Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose. Kana tichiti hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema.
1 Johani 1:9–10
“[S]ezvazvakangoita kuti Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshandirwa asi kuzoshandira, nokupa upenyu hwake sorudzikinuro rwavazhinji.”
Mateo 20:28
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy