Hatifaniri kuva saMambo Sauro akadudzira shoko raMwari pamadiro ake uye akateerera chidimbu charo. Asi, tinofanira kuchengeta Pasika kufanana naHezekia, tichidzorera mwoyo yedu yakarasika kubva kunyika toidzosera kuna Mwari kubudikidza nezvegumi nezvipiriso sekunyorwa kwazvakaita mubhuku raMaraki. Uku ndiko kutendeuka.
Zuva Rokuyananisira ndiro zuva apo zvivi zvose zvatakaita kudenga nezvivi zvatakaita panyika mukuziva nomukusaziva zvinodzorerwa kuna Satani, anova anokonzera zvivi zvose. Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakatizivisa kuti kutendeuka kwakakwana kunokwanisa kuitwa kubudikidza neMitambo yeSungano Itsva, inova ndiyo vhangeri roumambo.
“Dzokerai kwandiri, uye neni ndichadzokera kwamuri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
“Asi munobvunza muchiti, ‘Tichadzoka pazvinhu zvipiko?’ Ko, munhu angabire Mwari here? . . . “Pazvegumi nezvipiriso.”
Maraki 3:7–8
Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose . . . vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. “. . . dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri . . .”
2 Makoronike 30:5–6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy