Mwari haana kuunza njodzi dzaakanga asarudza kuunza pamusoro peNinevhe nokuti vakatendeuka nemwoyo wese kunyange zvazvo vakanga vatevera vamwe vamwari uye vakashungurudza vaIsraeri.
Apo mbavha yaiva kudivi rwekurudyi nemwanakomana akarasika uyo akasiya baba vake akatendeuka, vakagamuchira maropafadzo.
Kubudikidza nezvose izvi, Mwari akaratidza vanhu kuti vanokwanisa kudzivirirwa panjodzi uye kuponeswa kana vakatendeuka pazvivi zvavo.
Mwoyo mukukutu uye usingatendeuki unozviunganidzira kutsamwa kwaMwari paZuva Rokutongwa.
Vatendi veKereke yaMwari vakasvika pakuziva nzira yekutendeuka kwakakwana kubudikidza nemashoko aKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, uye ikozvino vari kuparidza vhangeri resungano itsva, vachishuvira kuti vamwewo vachaponeswa kubudikidza nekutendeuka.
“Naizvozvo, imi imba yaIsraeri, ndichakutongai, mumwe nomumwe zvakafanira nzira dzake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai! Dzokai pakudarika kwenyu kwose; ipapo chivi hachingakuwisirei pasi.
Ezekieri 18:30
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy