Mwari akati vaIsraeri varidze hwamanda yekutendeuka paMutambo weHwamanda,
zuva rokutanga romwedzi wechinomwe maererano nekarenda dzvene kuti vagadzirire
Zuva Rokuyananisira, zuva regumi romwedzi wechinomwe maererano
nekarenda dzvene apo Mozisi akagamuchira. Mirayiro Gumi kechipiri.
Pamweya, ndiwo mutambo unokurudzira vanhu vose, vakaita zvivi zvisingaregerereki
kudenga uye vakadzingirwa pasi pano, kuti vatendeuke, zvichinzi,
“Tendeukai kubudikidza nesungano itsva uye modzoka kuna Mwari.”
Nhasi, apo umambo hwekudenga hwava pedyo, avo vakavimbiswa
umambo hwekudenga kubudikidza nekutendeuka zvizere vanofanira
kuridza hwamanda yekuzvipira nerudo rwaMwari akavaponesa kubudikidza
nesungano itsva kuti vanhu vose vatendeuke uye vodzoka kuna Kristu Ahnsahnghong naMwari Amai.
“Uti kuvaIsraeri, ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe munofanira
kuva nezuva rokuzorora, ungano tsvene inocherechedzwa nokuridza hwamanda.’ ”
Revhitiko 23:24
Akati, “Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera.
Tendeukai mutende vhangeri!”
Mako 1:15
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy