Mahwendefa ekutanga eMirayiro Gumi akaputswa apo VaIsraeri vakanamata chimhuru chegoridhe. Zvisinei, Mwari akapa mahwendefa echipiri eMirayiro Gumi pazuva regumi romwedzi wechinomwe kune vanhu vakanga vatendeuka. Mwari akatara zuva iri seZuva Rokuyananisira rinova rine vimbiso yekuregererwa kwezvivi, uye akatara zuva rokutanga romwedzi wechinomwe seMutambo weHwamanda.
Apostora Johani akataura kuti minyengetero yose inova utsi hwezvinonhuwira uye zvokwira pamberi paMwari. Tinofanira kuziva kuti Mweya Mutsvene Ahnsahnghong naMwari Mai vari kunyengeterera vanhu vasina simba, vanotevera zvinhu zvisina maturo, uye vanokundikana kuona maropafadzo okusingaperi ekudenga. Tinofanira kuchengeta mitambo yaMwari nemwoyo inotendeuka, tichivavonga nekuda kwenyasha dzavo.
‘Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira. Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.’
VaRoma 8:25–26
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy