Sezvo Abraham Lincoln akaonesa
varwi munguva yeAmerican Civil War kuti,
kana tikanyengetera kuna Mwari tichiti,
“Ndapota ivai kudivi rangu,” hatigoni kuziva
kana tiri mugwara rakarurama kana risiriro.
Saka, kuti tiponeswe, tinofanira
kunyengetera tichiti, “Ndapota itai kuti
ndive kudivi raMwari nguva dzose.”
Eriya akanetsana nevaprofita venhema
850, uye shamwari nhatu dzaDhanieri
hadzina kupfugamira chifananidzo
chendarama.
Abhurahama akava baba vekutenda,
uye Noa akanzi mugari wenhaka
yokururama.
Vanhu ava vaigara vari kudivi raMwari.
Nenzira imwechete, munguva yeMweya
Mutsvene, vatendi veKereke yaMwari,
vanotenda muna Mwari Ahnsahnghong
naMwari Mai, vanonyengetera kuti
vagare vari kudivi raMwari muzvimiro zvese
zvinouya mugwara rekutenda.
Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari,
savana vanodikanwa uye murarame upenyu
hworudo, sezvatakadikanwa naKristu . . .
VaEfeso 5:1–2
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy