Sezvo ngirozi Rusifa namambo
weTire, vakanga vari pachigaro
chinobwinya kudenga, vakatengesa
Mwari nokuda kwokuzvikudza
kwavo, vachida kuzvikwidziridza
pamusoro paMwari, vanhu vose
vakatadza kudenga vakauya pasi panyika
pano, uye vakanga vakatarirwa kurangwa
mugehena. Zvisinei, Mwari pachake
akava chipiriso chechibayiro chezvivi
pamunamato umwe noumwe akatipa
kuregererwa kwezvivi.
Kwemakore angangoita 1,500 kubva
panguva yaMozisi kusvika panguva yaJesu,
Mwari akatibvumira kuti tigamuchire
kuregererwa kwezvivi kubudikidza
neropa rechibayiro chemhuka hono
nehadzi pazuva reSabata, nepamutambo
umwe noumwe. Kubudikidza nesungano
yakare, Mwari anotizivisa kuzvipira
norudo rwaMwari Mai vanova
chokwadi chesungano itsva, uye
vanotiratidza kuzvipira kwaKristu
Ahnsahnghong, uyo akadeura ropa
rake pamuchinjikwa seuchapupu
hwerudo rwake kuvanhu.
“Munhu akachena achaunganidza
madota etsiru agoaisa panzvimbo
yakanaka iri kunze kwomusasa.
Achachengetwa neungano
yavaIsraeri kuti agoshandiswa
pamvura yokunatsa; ndeyokunatswa
kubva pachivi.”
Numeri 19:9
“ ‘Asi kana munhu mumwe chete
akatadza nokusaziva, anofanira kuuya
nembudzana hadzi yegore rimwe chete
kuti chive chipiriso chechivi.’ ”
Numeri 15:27
Zvanzi naJehovha: “Ko, rugwaro
rwokurambwa kwamai venyu
rwuripiko rwandakavadzinga narwo?
Uye ndevapiko vandakakwereta
ndikazokutengesai kwavari?
Makatengeswa nokuda kwezvivi
zvenyu; mai venyu vakadzingwa
nokuda kwokudarika kwenyu.”
Isaya 50:1
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy