Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakauya panyika pano vakafuka nyama uye vakafamba gwara rekutambudzika kuitira ruponeso rwevana vavo vari kurarama mumarwadzo nekuda kwezvivi zvavakaita kudenga.
Patinoziva rudo nekuzvipira kwevabereki vedu vepamweya uye tozvirumbidza pamusoro pavo, Mwari achatipupura se“vana vangu” pamberi pengirozi uye otipa maropafadzo.
Vanhu vaMwari vaizvikudza pamusoro paMwari Jehovha munguva yaBaba uye Jesu munguva yaMwanakomana.
Nenzira imwecheteyo, tinofanira kuzvirumbidza pamusoro paKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, avo vakauya seMweya noMwenga munguva yaMweya Mutsvene.
Tinofanirawo kuchenjerera mbavha dzemweya dzinoba mwoyo yedu, dzinobvisa mwoyo yedu kuna Mwari, uye dzinoparadza mweya yedu.
“Ndinokuudzai kuti, ani naani anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana woMunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari.”
Ruka 12:8–9
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy