Munguva yakare, apo VaIsraeri vaiita zvivi, vairipira zvivi zvavo neropa remhuka munzvimbo tsvene. Zvivi izvo vanhu vaichengeta munzvimbo tsvene kwegore rose zvaidzoserwa kumbudzi yokutakudzwa, inomiririra Satani, nemuprista mukuru paZuva Rokuyananisira, zuva regumi romwedzi wechinomwe maererano nekarenda dzvene. Basa iri riri kuitwa kubudikidza neZuva Rokuyananisira munguva ino zvekare.
Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakauya senzvimbo tsvene Munguva yaMweya Mutsvene. Tinofanira kuvavonga ivo vakatiponesa nekuva chipiriso chinobayirwa kuti vayananisire zvivi zvevanhu vose. Tinofanirawo kuisa rudo rwatakagamuchira kubva kuna Mwari muzviito kune madzikoma nehanzvadzi dzedu.
“Chigaro choushe chinobwinya, chakanga chakasimudzirwa kubva pakutanga,
ndicho nzvimbo yedu tsvene. Imi Jehovha, tariro yaIsraeri.”
Jeremia 17:12–13
Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!”
Johani 1:29
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy