Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso ndiwo mutambo wekuti isu tirangarire upenyu nekutambudzika kwaKristu, tichitendeuka kuzvivi zvedu, uye tichisiya kutenda kwemwana mudiki. Kufanana naApostora Pauro, kutenda kwedu kunofanira kukura kuita kutenda kwakura, kuitira kuti tikwanise kudzidza kuti tingavonga sei nokuda kwematambudziko mazhinji atinosangana nawo muupenyu hwedu hwekutenda.
Jesu haana kurarama upenyu hwekubwinya nekukudzwa hwaaikodzera saMwari. Akatsungirira kutambudzika pamuchinjikwa kuitira vana vake pamwechete nekusekwa nekuvengwa nevamwe. Saizvozvowo, vatendi veKereke yaMwari vanorarama upenyu hwekuitira vamwe, kwete kuitira mufaro wavo pachavo. Vanoshingaira kuti vazvarwe patsva sevanhu vakakwana avo Mwari anofadzwa navo.
Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake. Munofungei nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!” Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”
Mateo 26:65–68
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy