Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso wemuTestamende Yakare waiva wekurangarira matambudziko ayo vaIsraeri vakasangana nawo makore 3,500 apfuura; mushure mekuchengeta Pasika, vakabuda muIjipiti zuva rakatevera uye vakasangana nematambudziko kusvikira vayambuka Gungwa Dzvuku. Izvi zvakashanda semumvuri wemarwadzo, uye kuzvipira uko Jesu Kristu aizosangana nakwo; mushure mekuchengeta Pasika, akatambudzika uye akarovererwa pamuchinjikwa zuva raitevera.
Achirambwa nokutengeswa nevadzidzi vakanga vataura kuti, “Tichakuteverai kusvikira pakufa,” kuchinyombwa nokusekwa nevavengi vakawanda, uye pakupedzisira kurovererwa pamuchinjikwa—uku ndiko kutambudzika uko Kristu Ahnsahnghong, Muponesi munguva yaMweya Mutsvene, akasangana nakwo makore 2,000 apfuura. Ino ndiyo nguva yatinoda kutenda kunoziva rudo rwake uye kunotakura muchinjikwa wedu.
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.”
Mateo 16:24–25
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy