Mwari akarayira Mozisi kuvaka tabhenakeri kuti aise Mitemo Gumi yechipiri mairi. Apo vanhu vakaziva chivi chavo icho chakakonzera kuputsika kwemahwendefa eMitemo Gumi okutanga, vakatendeuka uye mukuda kwavo vakauyisa zvinhu zvetabhenakeri. Aya ndiwo akava mavambo eMutambo waMatumba.
Pashure paizvozvo, vakavaka matumba muchivanze chetemberi kana kuti pamusoro pedenga retemberi vachishandisa marudzi ose emapazi emiti.
Mutambo waMatumba ndiro zuva apo Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vanounganidza vanhu vavo vose pamwechete. Vanhu vanofanira kuvonga Mwari uyo akavaregerera uye akavaponesa pazvivi zvavo. Uye kubudikidza neMweya Mutsvene wemvura yekupedzisira wavakagamuchira, vanofanira kutsvaga vatendi vose vemhuri yekudenga pasi rose vanova midziyo yeTemberi yeJerusarema yokudenga.
Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: “. . . ndichaita kuti mashoko angu ave moto mumuromo mako, uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo.”
Jeremia 5:14
Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.
VaEfeso 2:21–22
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy