Zuva Rokuyananisira, ndiro zuva guru apo zvivi zvevanhu zvose uye zvevaprista zvinoregererwa. VaIsraeri vakakanganwa nyasha dzaMwari vakatadza nekunamata chifananidzo, mhuru yegoridhe. Ndosaka Mozisi akaputsa mahwendefa ekutanga eMitemo ine Gumi yakapihwa naMwari. VaIsraeri vakatendeuka pazvivi zvavo uye Mwari akavapa mahwendefa epiri eMitemo Gumi; zuva iri rakava mavambo eZuva Rokuyananisira.
MuTestamende Yakare, zvivi zvose zvaIsraeri zvaiendeswa kunzvimbo tsvene kwenguva pfupi kusvika paZuva Rokuyananisira. Nhasi, zvivi zvedu zvose zvaiswa kuna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai, vanova chokwadi chenzvimbo tsvene. Zvino, paZuva Rokuyananisira, zvivi zvedu zvose zvinoiswa kuna Satani, anova muvambi wechivi. Pakupedzisira, Satani achatongwa mugomba rakadzika-dzika, kureva kuti, mugehena, uye ipapo, zvivi zvose zvichanyangarika.
Jehovha akati kuna Mozisi, “Zuva regumi romwedzi iwoyo wechinomwe iZuva Rokuyananisa. Muite ungano tsvene uye muzvinyime zvokudya, mugopa chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
Revhitiko 23:26–27
Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!
Johani 1:29
Uye dhiabhori, uyo akavanyengera, akakandwa mudziva rinopfuta nesafuri, makanga makandwa chikara nomuprofita wenhema. Vacharwadziwa masikati nousiku nokusingaperi-peri.
Zvakazarurwa 20:10
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy