Jesu akati mvura yeupenyu inopihwa
paMutambo waMatumba ndiwo Mweya
Mutsvene wemvura yekupedzisira. Muprofita
Zekaria, Ezekieri, naApostora Johani
vakapupura kuti Mai vekudenga Jerusarema,
vanodanwa kunzi chigaro choUshe chaMwari,
ndivo Tsime remvura yeupenyu. Uye vakapupura
kuti vachapa upenyu husingaperi kuvanhu
munguva ino yeMweya Mutsvene.
Kereke yaMwari inotenda mumashoko anoti,
“Ani naani anoziva Mwari achagamuchira Mweya
Mutsvene wemvura yekupedzisira.”
Vari kuita basa sevarindi kuti vazivise nemazvo
kuvanhu vose kuti vanofanira kuuya uye
vogamuchira ruponeso kubva kuna Kristu
Ahnsahnghong naMwari Mai, uye
vogamuchirawo Mweya Mutsvene wemvura
yekupedzisira paMutambo weMatumba.
Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava
pedyo, . . . Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru
achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri
azonwa. Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa
muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera
dzichibva mukati make.” Nokutaura uku, akanga achireva
zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya
vanotenda kwaari.
Johani 7:2–39
Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa
ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye;
uye ani naani anoda, ngaatore chipo
chemvura youpenyu asingatengi.
Zvakazarurwa 22:17
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy