Tinogona kuona simba reshoko raMwari pakuti Adhamu naEvha vakafa nokudya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa; apo gororo raiva kurudyi kwemuchinjikwa waJesu rakaponeswa, apo mapofu maviri akaporeswa, apo mukadzi aibuda ropa makore gumi nemaviri akaporeswa, uye kubudikidza nechokwadi chekuti ani naani anodya nyama yaJesu nokunwa ropa rake kubudikidza nechingwa newaini zvePasika achagamuchira chipo cheupenyu husingaperi.
Munguva yeMwanakomana, Jesu oga akapa mvura yeupenyu kuna avo vakauya kwaari paZuva Rokupedzisira uye Zuva Guru roMutambo waMatumba. Munguva yeMweya Mutsvene, avo vanouya kuna Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai, vakauya saMweya noMwenga, vachagamuchira mvura yeupenyu, inova Mweya Mutsvene. Ndivo vanogona kuita zvinhu zvose nesimba reshoko raMwari.
Pazuva rokupedzisira uye zuva guru roMutambo, Jesu akasimuka akadanidzira nenzwi guru achiti, “Kana pane munhu ane nyota, ngaauye kwandiri azonwa. Ani naani anotenda kwandiri, sezvazvakarehwa muRugwaro, hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.” Nokutaura uku, akanga achireva zvoMweya Mutsvene, uyo waizogamuchirwa navaya vanotenda kwaari.
Johani 7:37–39
Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi.
Zvakazarurwa 22:17
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy