“Uyo anovakazve guta reJeriko, acharasikirwa nemwanakomana wake wedangwe uye nemwanakomana wake wegotwe.” Uprofita hwaJoshua hauna kunyangarika kunyange pashure pemakore 500 asi hwakazadzikiswa hwose. Saizvozvowo, uprofita hwose hwakanyorwa muBhaibheri huri kuzadzikiswa, kunyange zvinhu zviduku-duku.
"Vanhu vari munyika vachauya kuKereke yaMwari kuzodzidza dzidziso dzaMwari Mai." Mazuvano, vanhu vanokwanisa kupupura kuti mashoko aKristu Ahnsahnghong pamusoro pekubwinya kwaMai vekudenga Jerusarema ari kuzadziswa. Chikonzero ndechekuti mashoko ake euprofita hweBhaibheri uhwo Mwari akatofanotaura kubudikidza navaprofita vakawanda vakaita saIsaya, Jeremia, Ezekieri, Zekaria, naApostora Johani.
Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, . . . hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga. Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.
2 Petro 1:19–21
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy