Mwari anoti, “Musambowedzera kana
kutapudza kubva pamashoko eBhaibheri,”
uye muBhaibheri makanyorwa kuti vanhu
vanokwanisa kuponeswa kana vaenda
kunaMweya noMwenga, avo vanopa mvura
yeupenyu.
Naizvozvo, Kereke yaMwari, inotenda muna
Mwari Mweya Mutsvene, Kristu
Ahnsahnghong, naMwari Mai, vanova
Mwenga, ndiyo kereke inofadza Mwari
uye ichaponeswa.
Apostora Pauro akanyora muBhaibheri kuti
vana vechipikirwa ndivo vakasara
vakasarudzwa nenyasha uye avo
vachaponeswa ndivo vana vechipikirwa
saIsaka. Zvinoreva kuti avo vanotenda muna
Mwari Mai munguva yaMweya Mutsvene
vachava vana vechipikirwa saIsaka uye
vakasara vakasarudzwa nenyasha dzaMwari
kuti vaponeswe.
Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa
saIsaka.
VaGaratia 4:28
Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri,
achiti: “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri
kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete
ndivo vachaponeswa.”
VaRoma 9:27
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy