Mirayiro Gumi yokutanga yakagamuchirwa naMozisi yakaputsika nokuti vaIsraeri vakanamata mhuru yegoridhe. Mushure mekunge vaIsraeri vaziva zvivi zvavo uye vatendeuka, Mozisi akaburuka neMirayiro Gumi yechipiri yaakapiwa naMwari sechiratidzo chekuregererwa. Aya ndiwo akava mavambo eZuva Rokuyananisira.
Kana munhu akaita chivi, chivi ichocho chinomboendeswa kwechinguvana kuna Mwari, nzvimbo tsvene, kusvikira paZuva Rokuyananisira. Mushure mekunge muprista mukuru apinda muNzvimbo Tsvene-tsvene uye oita mutambo wekusasa ropa, chivi chinoregererwa zvachose. Saizvozvowo, nhasi uno, pasina kugamuchira nyasha dzaJerusarema, anova Nzvimbo Tsvene-tsvene, kureva Mwari Mai, hapana anogona kuwana kuregererwa kwezvivi kwakakwana kana kuponeswa.
“Kana Aroni apedza kuyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene, Tende Rokusangana nearitari, achauya nembudzi mhenyu. Anofanira kuisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu agoreurura pamusoro payo kuipa nokumukira kwose kwavaIsraeri, zvivi zvavo zvose agozviisa pamusoro pembudzi. Acharega mbudzi ichienda kurenje nomunhu anenge apiwa basa iroro. Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu achairegedzera murenje.
Revhitiko 16:20–22
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy