Vadzidzi, avo vakaona Jesu achikwira kudenga kubva paGomo reMiorivhi, vakaziva kuti pasina Mweya Mutsvene, vhangeri raisakwanisa kuparidzwa pasi rose. Naizvozvo, vakanyengetera nemwoyo wese kwamazuva gumi kubvira paZuva reKukwira Kudenga kusvikira paZuva rePendekosti, vachikumbira Mweya Mutsvene wemvura yekutanga.
Eriya paakakunda vaprofita venhema 850 paGomo reKameri, munyengetero wakatungamira mberi kwekukunda. Jesu, Kristu Ahnsahnghong, naMwari Mai, avo vakauya panyika pano kuzoponesa vanhu, vakaita muenzaniso kubudikidza nekutanga basa ravo revhangeri nekunyengetera mangwanani-ngwanani zuva rimwe nerimwe. Naizvozvo, vatendi veKereke yaMwari, navowo, vanotanga zuva ravo, vachiwana simba repamweya kubudikidza nekunyengetera.
“Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.”
Mateo 7:7–8
“Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.”
Mako 11:24
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy