Zuva reZvibereko Zvokutanga muTestamende Yakare ndiro Zuva Rokumuka Kubva Kuvafi muTestamende Yakare. Chiprofita chaifanira kuzadziswa neSvondo.
Paiva pazuva rokutanga revhiki apo vaIsraeri vakabuda muIjipiti uye vakasvika kune rimwe divi reGungwa Dzvuku. Mwari akatara zuva iri seZuva reZvibereko Zvokutanga, uye akaita kuti vaIsraeri varichengete nezuva rinotevera Sabata (Svondo) gore negore. Jesu akamutswa kubva kuvafi nezuva rokutanga revhiki (Svondo), achizadzisa chiprofita cheZuva reZvibereko Zvokutanga.
Maererano nechiprofita cheZuva reZvibereko Zvokutanga, apo chisote chezviyo zvokutanga chaipiwa kuna Mwari, Jesu akamutswa kubva kuvafi sechibereko chekutanga cheavo vakanga vavete uye akapa tariro yekumuka kubva kuvafi kune vanhu vose. Mukutenda izvi, Kereke yaMwari inopemberera Zuva Rokumuka Kubva Kuvafi gore negore.
Jehovha akati kuna Mozisi, “. . . uyai kumuprista nechisote chezviyo zvamunotanga kukohwa. Anofanira kuninira chisote pamberi paJehovha kuti chigamuchirwe panzvimbo penyu. Muprista anofanira kuchininira pazuva rinotevera Sabata.”
Revhitiko 23:9–11
Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva. Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva, asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu. . . . “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa? Haapo pano; amuka!”
Ruka 24:1–6
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy