Jesu akadzidzisa vanhu kubudikidza neMufananidzo weMurume Mupfumi naRazaro kuti upenyu hwepasi pano hausiwo magumo. Razaro, kunyange zvazvo akanga ari murombo pasi pano, akararama semufambi ane tariro yedenga uye pakupedzisira akawana mufaro. Nekune rimwe divi, murume mupfumi airarama upenyu hweumbozha, asi airarama semudzungairi. Akatadza kugadzirira umambo hwekudenga uye akazopedzisira atambudzika mugehena.
Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakapa vanhu uchapupu hwemadzibaba ekutenda akaita saAbhurahama naMozisi avo vakati, “Tiri vatorwa nevafambi panyika ino.” Kubudikidza nezvinyorwa zviri muBhaibheri izvi, vakapeputsa vanhu vose kuti musha wavo chaiwo wavanofanira kudzokera kwauri ndihwo umambo hwekudenga.
Vanhu ava vose vakanga vachirarama nokutenda kusvikira panguva yokufa. Havana kuwana zvinhu zvavakavimbiswa; vakangozviona chete vakazvigamuchira zviri kure. Uye vakabvuma kuti ivo vakanga vari vaeni navatorwa panyika.
VaHebheru 11:13
“Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri. Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; . . . Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo. . . kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.”
Johani 14:1–3
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy