Kunyange mutadzi akakanganwa chivi chake
uye akararama upenyu hutsva, chivi hachitombonyangariki.
Vanhu ndivo vasungwa vakatadza kudenga
vasati vatongerwa mhosva uye vakamirira kutongwa
kwedenga kana gehena. Pashure pomukana
wekupedzisira wekutendeuka pasi pano kubudikidza
nemutemo wesungano itsva, vanofanira kumira
pamberi pechigaro chokutonga chaMwari, uye vachapiwa
mutongo wekupedzisira nokuda kwezvivi zvavo.
Mutemo wesungano itsva une vimbiso yekubvisa
zvivi zvedu zvese nekudarika kwedu kwose.
Jesu akatambudzika pamuchinjikwa kuti abvise
zvivi zvakaipisisa zvevatadzi vepamweya. Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai
vakadzoreredza mutemo wesungano itsva une nyasha dzerudzikinuro dzakadaro.
Sezvakangoita Jesu, vari kudanidzira nemwoyo wese kuti, “Tendeukai” uye
vari kutungamirira vanhu kuumambo hwekudenga.
Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwechete
uye shure kwaizvozvo agotongwa, . . .
VaHebheru 9:27
Ipapo rufu neHadhesi zvakakandwa mudziva
romoto. Dziva romoto ndirwo rufu rwechipiri. Kana munhu akawanikwa zita rake risina
kunyorwa mubhuku roupenyu, akakandwa mudziva romoto.
Zvakazarurwa 20:14–15
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy