Zvinhu zvinofadza Mwari zvakanyorwa
mumabhuku anoti Ruka, VaHebheru,
Jeremia, naZvirevo. Zvinoti kutendeuka
kwemutadzi, kutenda kwechokwadi,
kuzvirumbidza pamusoro paMwari,
uye avo vane nzira dzisina
chadzinopomerwa. Mwari akatidzidzisa
kuti zvose izvi zvinogona kuitwa
kubudikidza nebasa rekuparidza rinotungamiririra
vanhu vazhinji kuruponeso.
Vana vari pasi pano vanopa vabereki
vavo zvipo zvinofadza vabereki vavo
nemwoyo yavo yose. Saizvozvo,
vana vekudenga vanoita zvinofadza
Baba vekudenga Kristu
Ahnsahnghong naMwari Mai zvakanyanya.
Sokurayira kwakaita Jesu makore 2,000
apfuura, vanopa mwoyo yavo kubasa
rekutsvaka vatendi yemhuri yekudenga vakarasika.
Nokuti kare maiva rima, asi zvino
mava chiedza muna She. Garai
savana vechiedza (nokuti chibereko
chechiedza chino kunaka kwose,
kururama nechokwadi) uye muzive
zvinofadza Ishe.
VaEfeso 5:8–10
Anoda kuti vanhu vose vaponeswe
uye kuti vazive chokwadi.
1 Timoti 2:4
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy