Sezvo mabhuku 66 eBhaibheri aine nzira yokuuya nayo kuMuponesi uye uchenjeri hwokuziva chokwadi nenhema, Mwari anotiyambira kuti tisawedzera kana kubvisa chero chinhu chipi zvacho muBhaibheri, asi kuti titevere maererano nemashoko aMwari chete. Zviuru zviviri zvemakore zvakapfuura, Jesu oga akadanidzira achiti, “Uyai kwandiri kuti mugamuchire mvura youpenyu,” asi akatidzidzisa kuti zvino tinofanira kuuya kuMweya neMwenga kuti tigamuchire mvura youpenyu uye tive noupenyu husingaperi.
Isaya akaporofita kuti Mwari achatungamirira vana vake kutsime remvura mhenyu, uye Mwari Ahnsahnghong, Mweya Mutsvene, uyo akazadzisa zviporofita zvose zveBhaibheri, akatungamirira vanhu kuna Mai veKudenga Jerusarema, Mwenga weMweya Mutsvene uye kutsime remvura youpenyu.
Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi. Zvakazarurwa 22:17
Zvanzi naJehovha: “Munguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; . . . Iye anovanzwira tsitsi achavatungamirira, uye achavafambisa napazvitubu zvemvura.” Isaya 49:8–10
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy