Umambo hwekudenga inzvimbo yemufaro nekunakidzwa kusingaperi, isina rufu, kurwadziwa, kana kutambura. Ndosaka Mwari akatiudza kuti tisararama upenyu husina chinangwa sekunge tichararama makore chiuru apo isu tisingakwanisi kurarama makore zana, asi kuti tiraramire umambo hwekudenga.
Kufanana naJesu akapa upenyu kuvanhu kubudikidza nePasika yesungano itsva makore 2,000 apfuura, Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai vakatidzidzisa kuti tinofanira kuchengeta Pasika kuti tirarame upenyu husingaperi, kwete upenyu hunosvava semaruva esango.
Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema. Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.
Mapisarema 90:9–10
Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi, asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” . . .
1 Petro 1:24–25
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy