Kereke yaMwari inochengeta mitambo yakaita sezuva reSabata nePasika, zvinova mirayiro yaMwari.
Kana tikasachengeta mirayiro yaMwari, hatingagamuchiri kunzwisisa kwakanaka, uye uchenjeri hwedu nenjere zvinopera, zvichitisvitsa pakuita mabasa akaipa tichitenda kuti hakuna Mwari.
Bhaibheri rinopupura kuti avo vanotsvaka Jehovha munguva yaBaba, Jesu Kristu munguva yaMwanakomana, uye Kristu Ahnsahnghong naMwari Mai—Mweya noMwenga—munguva yaMweya Mutsvene ndivo vane kunzwisisa sevanhu vaMwari vechokwadi uye vachaponeswa.
Benzi rinoti mumwoyo maro, “Mwari hakuna.” Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa; hakuna anoita zvakanaka. Mwari anotarira ari kudenga, pavanakomana vavanhu, kuti aone kana aripo anonzwisisa, kana aripo anotsvaka Mwari. Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure, vakava vakaora pamwe chete; hakuna anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.
Mapisarema 53:1–3
Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere; vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa. Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.
Mapisarema 111:10
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy