Patinotarisa chiedza, mumvuri unooneka kumashure kwedu, asi patinofuratira chiedza, mumvuri unodzivaidza nzira yedu.
Nenzira imwechete iyoyo, apo vanhu vanofamba vakatarisa kuna Mwari anova chiedza, rima haringatongovadzivaidzi.
Kufanana naJeremia munguva yaBaba nevaapostora munguva yaMwanakomana, apo tinogovera chiedza chekubwinya kwaMwari, tinokwanisa kusangana nekutambudzwa nezvimhingamupini.
Zvisinei, pakupedzisira, tichagamuchira maropafadzo mazhinji.
Isaya, Jeremia, naEzekieri vakagovera chiedza chaMwari Jehovha munguva yaBaba, uye vaApostora Pauro, Petro, naJohani vakagovera chiedza chekubwinya kwaJesu munguva yaMwanakomana.
Saizvozvowo, munguva yaMweya Mutsvene, vatendi veKereke yaMwari munyika 175 pasi rose vanogovera chiedza chekubwinya kwaKristu Ahnsahnghong naJerusarema Mai Vekudenga vakauya seVaponesi.
“Simuka, upenye nokuti chiedza chako chasvika, uye kubwinya kwaJehovha kwabuda pamusoro pako.
Tarira, rima rakafukidza nyika uye rima guru riri pamusoro pavanhu, asi Jehovha anobuda pamusoro pako uye kubwinya kwake kunoratidzwa pamusoro pako.
Ndudzi dzichauya kuchiedza chako, uye madzimambo kukubwinya kwamambakwedza ako.
Isaya 60:1–3
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy