Kana tikadyara zvakanaka, zvirokwazvo tinokohwa zvibereko zvakanaka, uye kana tikadyara zvakaipa, tinokohwa zvakaipa.
Tinofanira kurangarira nhoroondo yeapo vaIsraeri, avo vakagunun’una murenje kwamakore makumi mana, vakaparadzwa, uye Dhavhidhi mukomana wechiduku, Shadhireki, Misheki, naAbhedhinego vakaropafadzwa zvikuru naMwari kubudikidza nokupa mufaro nemashoko avo okutenda akazadzwa nenyasha.
Maererano nedzidziso dzaKristu Ahnsahnghong naMwari Mai, vatendi veKereke yaMwari vanogara vachipa nyaradzo uye tsigiro kubudikidza nemabasa akanaka uye nemashoko akanaka kumba, muKereke, nemunharaunda.
Nhasi, vanofambira mberi nesimba kuti vagoverane nhau dzinofadza dzeruponeso rwaMwari naavo vakaneta noupenyu hunorema, vachizivisa, kuti: “Kune umambo hwokudenga uko kusisina rufu kana kutambura kana kuti kurwadziwa.”
“Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo. Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”
Mateo 12:35–37
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy