Munguva yeKereke yeKutanga apo Mwari uyo vaJudha vose vaitenda maari akauya akafuka nyama aine zita rekuti Jesu, havana kumuziva asi vakamuroverera pamuchinjikwa.
Saizvozvowo, mazuvano, vanhu vazhinji vezvitendero vanotadza kuziva kuti Kristu Ahnsahnghong ndiMwari akauya zvakare kuzoponesa vanhu. Vanomuramba, vachitsauka kubva panzira yoruponeso.
Kristu Akauya keChipiri Ahnsahnghong akasika yunivhesi, akapa upenyu kuvanhu, uye akatidzidzisa pamusoro peumambo hwekudenga husingaperi.
NdiMwari akazviratidza kubva kuSouth Korea, nyika iri kure kumabvazuva, sekuprofitwa kwazvakaitwa muna Zvakazarurwa 7.
Akaita basa reruponeso muKereke yaMwari kubudikidza nesungano itsva yePasika (chisimbiso chaMwari).
Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi,
akabvunza vadzidzi vake akati, . . .
“Asi, ko, imi munoti ndini ani?”
Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi
Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”
Mateo 16:13–16
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy