Kufanana nekupa areka senzvimbo yerutiziro kwakaita Mwari munguva yaNoa apo akanga asati aparadza nyika nemvura, Mwari, uyo akauya saDhavhidhi wepamweya, akasimbisa Zioni yepamweya umo mitambo yaMwari inochengetwa uye akarayira vanhu kutizira kuZioni asati atonga nyika nemoto pazuva rekupedzisira.
Mushure mokukwira kwaJesu kudenga, dhiabhori akaedza kuparadza Zioni kubudikidza nekuputsa mitambo yaMwari, asi sezvakaprofitwa, Kristu Ahnsahnghong akadzoreredza mitambo minomwe munguva nhatu nezuva reSabata. Naizvozvo, Kereke yaMwari inogara yakazadzwa nemanzwi emufaro nekunakidzwa netariro yeruponeso.
Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba.
Isaya 51:3
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy