Tinofanira kutsvaga Mwari nekuti mhinduro dzematambudziko eupenyu hwedu dzinogara dzichipihwa naMwari.
Chikonzero chakaita kuti Dhavhidhi, Jehoshafati, naHezekia vararame upenyu hwakaropafadzwa uye hwekukunda ndechekuti vaivimba naMwari, kwete nevanhu kana kuti nezvinhu zvenyika yepanyama.
Mwari akanyora nhoroondo yekare muBhaibheri kuitira isu vari kurarama munguva ino.
Mwari aiva nevanhu vake nguva dzose—apo Jeriko rakakundwa neapo Gungwa Dzvuku rakapatsanurwa.
Tichirangarira izvi, vatendi veKereke yaMwari vanovimba naMwari nguva dzose muchimiro chipi zvacho chakaoma.
Izvi ndizvo zvakaitwa naHezekia muJudha yose achiita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama uye zvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake.
Mune zvose zvaakaita . . . akatsvaka Mwari wake akashanda nomwoyo wose. Saka akabudirira.
2 Makoronike 31:20–21
Vazhinji vakavigira Jehovha zvipo kuJerusarema nezvipo zvinokosha kuna Hezekia mambo weJudha. Kubva ipapa akatanga kuremekedzwa zvikuru nendudzi dzose.
2 Makoronike 32:23
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy