Kufanana nepasi pano pane mirayiro, Mwari anewo mirayiro kuitira ruponeso rwevanhu. Sezvatinoona munguva yakapfuura pana Rehobhoamu weJudha naJerobhoamu weIsraeri, umambo nevanhu vasingateveri mirayiro yaMwari vachagamuchira njodzi nekurangwa pakupedzisira.
Bhaibheri rinoti vaya vanorasa murayiro waMwari ndevaya vanorasa Mwari. Pakati pekereke zhinji dziri munyika, Mwari ane kereke inochengeta mirayiro yaMwari [mirau] uye anoitungamirira mukukunda munjodzi uye kunyange muhondo huru yokurwisana naSatani.
Mushure mokunge chinzvimbo chaRehobhoamu samambo chasimbiswa, uye paakanga asimba, iye neIsraeri yose pamwe chete vakasiya murayiro waJehovha. Nokuti vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Shishaki mambo weIjipiti akarwisa Jerusarema mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu.
2 Makoronike 12:1–2
Ipapo shato yakatsamwira mukadzi ikaenda kundorwa navana vake vakanga vasara, vaya vanoteerera mirayiro yaMwari uye vanobatirira pauchapupu hwaJesu.
Zvakazarurwa 12:17
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy