Patinorarama hupenyu hwekuteerera murayiro waMwari, makomborero akawanda anogara akatimirira. Nekuda kwechikonzero ichi, mukati memitambo yaMwari kubva paNguva YaBaba—yakaita seSabata nePasika—munogara muine murayiro wekuti, “Musakanganwa, asi yeukai uye muichengete nekusingaperi.”
Bhaibheri rinoti vanochengeta murayiro waMwari munguva dzose vakarurama vacharopafadzwa, asi vanotyora murayiro waMwari vachatongerwa kupandukira. Kutorwa kwevaIsraeri senhapwa kuBhabhironi kwaiva mugumisiro wekusachengeta murayiro waMwari.
“Hatina kuteerera Jehovha Mwari wedu kana kuchengeta mirayiro yaakatipa kubudikidza navaranda vake vaprofita. VaIsraeri vose vakadarika murayiro wenyu ndokutsauka, vachiramba kukuteererai imi. “Naizvozvo kutukwa nokutonga kwaakapika kwakanyorwa mumurayiro waMozisi, muranda waMwari, zvakadururirwa pamusoro pedu, nokuti takakutadzirai imi.” Dhanieri 9:10–11
“Anotevera mitemo yangu, uye akatendeka pakuchengeta mirayiro yangu. Munhu uyo akarurama; zvirokwazvo achararama, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” Ezekieri 18:9
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy