Nzvimbo tsvene nechidzitiro, izvo Mozisi akavaka semufananidzo wenzvimbo tsvene yekudenga, zvinomiririra Jesu Kristu, uye Nzvimbo Tsvene-tsvene inomiririra Mai vekudenga Jerusarema. Kubudikidza nenzvimbo tsvene, Mwari akatibvumira kuziva Mwari Baba naMwari Mai.
Vaprofita vakapupura kuti vanhu vanokwanisa kugamuchira upenyu kubudikidza nemvura yeupenyu inoyerera ichibva mutemberi.
Makore angangoita 2,000 apfuura, Jesu, anova temberi, akadanidzira pazuva rokupedzisira reMutambo waMatumba, kuti vanhu vagamuchire mvura youpenyu, uye zvakaprofitwa muBhaibheri kuti munguva yaMweya Mutsvene, Mweya noMwenga, avo vanova chokwadi cheNzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvene-tsvene, vaizouya pasi pano uye vopa ruponeso kuvanhu kubudikidza nemvura yeupenyu.
VaJudha vakapindura vakati, “Zvakatora makore makumi mana namatanhatu kuti temberi iyi ivakwe, uye iwe uchaimutsa mumazuva matatu?”Asi temberi yaaireva waiva muviri wake.
Johani 2:20–21
Mweya nomwenga vanoti, “Uya!” Uye anonzwa ngaati, “Uyai!” Ani naani ane nyota, ngaauye; uye ani naani anoda, ngaatore chipo chemvura youpenyu asingatengi.
Zvakazarurwa 22:17
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy