Uyo akaenda pamberi paMambo Sirasi uye akakunda vavengi vake vose, Uyo akarapa maperembudzi aNaamani, Uyo akadzivirira nyika duku yeJudha pakurwiswa navarwi 185,000 veAsiria nemauto emubatanidzwa, uye Uyo akapa mauto aJoshua kukunda muhondo pakurwa navaAmareki ndiye Mwari wedu anotonga zvinhu zvose zviri munyika isingaoneki.
Apostora Pauro akaziva kuti kunyange munhu akasima chinhu chipenyu, ochidiridza, uye ogadzira nharaunda yekuti chikure, hazvibatsiri pasina Mwari anoita kuti zvinhu zvikure.
Saizvozvowo, vatendi veKereke yaMwari vanovimba naMwari uyo anogara ainavo nguva dzose uye anovabatsira.
Ndinosimudzira meso angu kumakomo, kubatsirwa kwangu kunobvepiko?
Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha, muiti wokudenga napasi.
Mapisarema 121:1–2
Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshandira pasina.
Kana Jehovha asingachengeti guta, varindi vanomira vakarinda pasina.
Mapisarema 127:1
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy