Mwari akatara zuva rakaburuka Mozisi nemahwendefa echipiri eMirayiro Gumi seZuva Rokuyananisira, uye Mutambo waMatumba wakanga uri mutambo apo vaIsraeri vakavaka tabhenakeri kuti vachengetere mahwendefa eMirayiro Gumi imomo.
Sezvakaonekwa makore 3,500 apfuura, chinhu chinonyanya kukosha pakuvaka temberi yaMwari ndiko kuva nemwoyo waisundwa kubatana nevamwe uye waida kutora chikamu pabasa iri. Vanhu vakadaro vakapa midziyo yakawanda yekuvakisa temberi.
Mazuvano, pasi rose riri kumhanyira kuna Kristu Ahnsahnghong naMai vekudenga Jerusarema nekuti vanhu vaMwari vanofananidzirwa semidziyo yakasiyana-siyana inoumba Temberi yeJerusarema.
Pane chiprofita chekuti, sekuunganidzwa kwakaitwa matavi akasiyana-siyana paMutambo waMatumba muTestamende Yakare, vanhu vaMwari vachaungana pamwechete semiti yakasiyana-siyana kuna Jerusarema.
[U]ye munhu wose aida uye akasundwa nomwoyo wake akauya nechipiriso kuna Jehovha chebasa rapaTende Rokusangana, noushumiri hwayo hwose, nezvenguo tsvene. Vose vakanga vachida, zvose varume navakadzi, vakauya . . .
Ekisodho 35:21–22
[M]akavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona. Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She. Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.
VaEfeso 2:20–22
119 Bundang P.O.Box, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of KOREA
Tel 031-738-5999 Fax 031-738-5998
Head Office: 50, Sunae-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
Main Church: 35, Pangyoyeok-ro, Bundang-gu, Seongnam-si, Gyeonggi-do, Rep. of Korea
ⓒ World Mission Society Church of God. All rights reserved. Privacy Policy